Friday, May 10, 2013

kuna amai (vemurume wangu)...

murume wangu itsamba isina muturikiri
yakanyorwa nemukorekore
ichinyorerwa mundevere

ibhurugwa rine zipi yakafa, rashaya anosonesa
rinofamba richinongedza wese asingatye kutarisa

isiragi yemubhawa inotambwa nani nani –
akachena kana ane shena
ane mahobi kana man’a mumaoko

kanzira kekuchimbuzi kanojairirwa newese,
nhunzi dziripo pakuperekedza

itarakita yekanzuru inorimira ani nani wese wemuruwa
ichitadza kupindura vhu rewayo munda

ruware rwunoitwa mutserendende nepwere, magaro ari pamhene,
rakacheka nyika

ishati yaTizirayi ine makwambamakwamba
namanama nenyika dzese dzeAfurika zviri zvigamba

iputumende yebenzi inotakuriswa mbatya
iro richipembera riri musvo

kachongwewo zvako, kateteriyende
kanosekwa huchongwe hwako nesheshe dzerayini…

ndamboti ndimusiye, asi ndinotya kusiya tsono isina shinda
‘rega, rega, pamwe mangwana ichasonawo’,
ndinongonzwa mwoyo uchidarowo

ishangu yeruboshwe inotodawo yerudyi

amai kani, ndigere hangu pane dzamushore nekutsungirira
musandishore, asi makadya manonoko munowana ndamusungirira

ndisati ndapedza, ndikandewo kamubvunzo mudariro…
ndinganzi ndapisira here ndikatsvaga rimwe gumbo rekufamba naro?

© Conarth Macheka – 05/13

No comments:

Post a Comment