Chitsauko Chekutanga
Zvinorema
sei kudoma mazwi erudo irwo rwakapwa makeyi. Zvakaoma fani kupururudzira rudo
irwo rwakabhururuka rwuchipoya mudendere marwo. Varikowo here varume vanosunga
katundu, kurova bara vachitiza misha? Hauzonzi nevanoona “dzakatamba nepwere”
kana kuti “akasapfeka mudhebhe zvino angagopfekei?” Kana kunamira panzvimbo
kuri kuwedzera kuzvigokera moto muziso, asika kuzvisungirira ndiko chaiko pane
kufira murufuse, nekuti nhaurwa dzevanhu dzinoshaya chirevo…
Pfungwa
idzi dzaingodai kupiringishana mumusoro maTazvitya. Mabasa aMeraniya akanga amugura
kunorira. Kumbofunga kuti ndiye mwanasikana waRunesu, uno munyoronyoro,
waakapondera ugariri – iye naMuzondiwa - kari kabisira kuvarume vaviri ava?
Kumbofunga kuti iyi nyaya yakazoguma yave mudare rashe Murombo, uyo
akazoitwasanura nekuripisa Runesu neinotsika, Tazvitya achitora chigagairwa
chake “chechipikirwa”? Kumbofunga kuti ndiye zvekare akange opunyaira neshungu
akananga kunopangwa mazano?
Chiriporipotyo,
Tazvitya akabva ati gogogoi achipinda muruvanze rwamambo Murombo, avo vaiva zve
sekuru vake…
©
Conarth Macheka (handina.remuromo/chitsauko1/excerpt2013)…
No comments:
Post a Comment