Ptu!
ndachera kakomba.
Razuro rakadzokorora,
rakapamhazve.
Doravira hako aka kamukombe,
un(z)we kakusuruvadza kane
kakuzipa…
Rakapumha amai huroyi
kutimba mhuri yababamudiki
nepiki
apo ndipo
parinondisunga dzakondo nekunaka
ichipenga kuzipa
mhirimo yetiki.
Rakandikatanura nhumbi
dzepamuviri
ndokuramba mukadzi, apo
akatsika mwedzi
simu, hutu, kurova
nzira, katundu kata papfudzi -
asina kana dhuku, asina
kana shereni
kuramwa zvese –
mapfihwa nemapudzi.
Rakasvika kubasa
rikatuka bhasi
kumutaka nejombo, ndiye
nyonde kutunga pasi,
muromo piriviri kuita
siraha.
Haa, akangoroverawo
hake pajombo basi-basi
…zvandangosiiswa basa
nezvinhu zvisina basa!
Dondigachidzawo komichi
nhandi sahwira,
nditonhodze matadza. Ndidzvute
kekugumisira, mwoyo usati waora.
Ndisvipire zvangu
kekuvhara musangano.
Pidigu! Zvichagopei kurirega
iro richindinyorovesa
pfungwa?
Mhirimo yekachembere
aka ndimambara
ndinonzwa gotsi kuti
papata, ndoimba hangu manhanga kutapira
asi yandisiya ndiri
Wanga,
ndigere hangu
pamharadzano.
© Conarth Macheka – 11/05/13