Saturday, May 11, 2013

Mhirimo

Ptu!
ndachera kakomba.
Razuro rakadzokorora, rakapamhazve.
Doravira hako aka kamukombe,
un(z)we kakusuruvadza kane kakuzipa…

Rakapumha amai huroyi
kutimba mhuri yababamudiki nepiki
apo ndipo parinondisunga dzakondo nekunaka
ichipenga kuzipa mhirimo yetiki.

Rakandikatanura nhumbi dzepamuviri
ndokuramba mukadzi, apo akatsika mwedzi
simu, hutu, kurova nzira, katundu kata papfudzi -
asina kana dhuku, asina kana shereni
kuramwa zvese – mapfihwa nemapudzi.

Rakasvika kubasa rikatuka bhasi
kumutaka nejombo, ndiye nyonde kutunga pasi,
muromo piriviri kuita siraha.
Haa, akangoroverawo hake pajombo basi-basi
…zvandangosiiswa basa nezvinhu zvisina basa!

Dondigachidzawo komichi nhandi sahwira,
nditonhodze matadza. Ndidzvute kekugumisira, mwoyo usati waora.
Ndisvipire zvangu kekuvhara musangano.

Pidigu! Zvichagopei kurirega
iro richindinyorovesa pfungwa?

Mhirimo yekachembere aka ndimambara
ndinonzwa gotsi kuti papata, ndoimba hangu manhanga kutapira
asi yandisiya ndiri Wanga,
ndigere hangu pamharadzano.

© Conarth Macheka – 11/05/13

Friday, May 10, 2013



kuna amai (vemurume wangu)...

murume wangu itsamba isina muturikiri
yakanyorwa nemukorekore
ichinyorerwa mundevere

ibhurugwa rine zipi yakafa, rashaya anosonesa
rinofamba richinongedza wese asingatye kutarisa

isiragi yemubhawa inotambwa nani nani –
akachena kana ane shena
ane mahobi kana man’a mumaoko

kanzira kekuchimbuzi kanojairirwa newese,
nhunzi dziripo pakuperekedza

itarakita yekanzuru inorimira ani nani wese wemuruwa
ichitadza kupindura vhu rewayo munda

ruware rwunoitwa mutserendende nepwere, magaro ari pamhene,
rakacheka nyika

ishati yaTizirayi ine makwambamakwamba
namanama nenyika dzese dzeAfurika zviri zvigamba

iputumende yebenzi inotakuriswa mbatya
iro richipembera riri musvo

kachongwewo zvako, kateteriyende
kanosekwa huchongwe hwako nesheshe dzerayini…

ndamboti ndimusiye, asi ndinotya kusiya tsono isina shinda
‘rega, rega, pamwe mangwana ichasonawo’,
ndinongonzwa mwoyo uchidarowo

ishangu yeruboshwe inotodawo yerudyi

amai kani, ndigere hangu pane dzamushore nekutsungirira
musandishore, asi makadya manonoko munowana ndamusungirira

ndisati ndapedza, ndikandewo kamubvunzo mudariro…
ndinganzi ndapisira here ndikatsvaga rimwe gumbo rekufamba naro?

© Conarth Macheka – 05/13

Wednesday, May 1, 2013

Handina Remuromo



Chitsauko Chekutanga

Zvinorema sei kudoma mazwi erudo irwo rwakapwa makeyi. Zvakaoma fani kupururudzira rudo irwo rwakabhururuka rwuchipoya mudendere marwo. Varikowo here varume vanosunga katundu, kurova bara vachitiza misha? Hauzonzi nevanoona “dzakatamba nepwere” kana kuti “akasapfeka mudhebhe zvino angagopfekei?” Kana kunamira panzvimbo kuri kuwedzera kuzvigokera moto muziso, asika kuzvisungirira ndiko chaiko pane kufira murufuse, nekuti nhaurwa dzevanhu dzinoshaya chirevo…
Pfungwa idzi dzaingodai kupiringishana mumusoro maTazvitya. Mabasa aMeraniya akanga amugura kunorira. Kumbofunga kuti ndiye mwanasikana waRunesu, uno munyoronyoro, waakapondera ugariri – iye naMuzondiwa - kari kabisira kuvarume vaviri ava? Kumbofunga kuti iyi nyaya yakazoguma yave mudare rashe Murombo, uyo akazoitwasanura nekuripisa Runesu neinotsika, Tazvitya achitora chigagairwa chake “chechipikirwa”? Kumbofunga kuti ndiye zvekare akange opunyaira neshungu akananga kunopangwa mazano?
Chiriporipotyo, Tazvitya akabva ati gogogoi achipinda muruvanze rwamambo Murombo, avo vaiva zve sekuru vake…

© Conarth Macheka (handina.remuromo/chitsauko1/excerpt2013)…


Sunday, April 28, 2013

KANA NDADA ZVEKUNYORA




Handidi!
handidi  kutsiurwa,
handidi  kusvoteswa,
handidi kunyombwa,
handidi kumbunyikidzwa,
handidi kutosvorwa,
handidi kutsvinyirwa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Ndinosuduruka.
Ndinonyahwaira.
Ndinodzanadzana.
Ndinohwanda mumhango.
Ndarodza dzangu pfungwa,
handidi kukanganiswa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Shiri, uswa nemiti,
makomo, ivhu nemhuka
ndizvo bedzi zvinondishamwaridza
kamhepo kachifefetera,
ndichinzwa kushona kwerwizi.
Ndamona hata yenjere mumusoro,
handidi kutsamwiswa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Ndinodzamisa ndangariro.
Ndinokwira chitundumuseresere,
kusvika Joni, Amerika kana nyikadzimu.
Ndinodzoka kuva pwere kana rusvava.
Ndinosanduka kuva benzi kana harahwa.
Ndinomera zenze kana mapapiro,
kuva shumba kana shiri.
Ndinomera ndebvu kana mazamu,
kuita murume kana mukadzi.
Ndinokwira pamusorosoro pegomo kana pachisuvi
asi handidi kutokonywa-tokonywa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Ndinoramwa zvekudya.
Ndinotadza kushamwaridzana nemvura.
Handidi shamwari kana hama pedyo.
Handidi kugumburwa kana kugumwa.
Ndinosvimha misodzi,
dzoyerera mumusoro pfungwa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Handidi, handidi, handidi!
handidi  kutsiurwa,
handidi  kusvoteswa,
handidi kunyombwa,
handidi kumbunyikidzwa,
handidi kutosvorwa,
handidi kutsvinyirwa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

© Conarth Macheka – 28 Kubvumbi 2013