Sunday, April 28, 2013

KANA NDADA ZVEKUNYORA




Handidi!
handidi  kutsiurwa,
handidi  kusvoteswa,
handidi kunyombwa,
handidi kumbunyikidzwa,
handidi kutosvorwa,
handidi kutsvinyirwa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Ndinosuduruka.
Ndinonyahwaira.
Ndinodzanadzana.
Ndinohwanda mumhango.
Ndarodza dzangu pfungwa,
handidi kukanganiswa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Shiri, uswa nemiti,
makomo, ivhu nemhuka
ndizvo bedzi zvinondishamwaridza
kamhepo kachifefetera,
ndichinzwa kushona kwerwizi.
Ndamona hata yenjere mumusoro,
handidi kutsamwiswa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Ndinodzamisa ndangariro.
Ndinokwira chitundumuseresere,
kusvika Joni, Amerika kana nyikadzimu.
Ndinodzoka kuva pwere kana rusvava.
Ndinosanduka kuva benzi kana harahwa.
Ndinomera zenze kana mapapiro,
kuva shumba kana shiri.
Ndinomera ndebvu kana mazamu,
kuita murume kana mukadzi.
Ndinokwira pamusorosoro pegomo kana pachisuvi
asi handidi kutokonywa-tokonywa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Ndinoramwa zvekudya.
Ndinotadza kushamwaridzana nemvura.
Handidi shamwari kana hama pedyo.
Handidi kugumburwa kana kugumwa.
Ndinosvimha misodzi,
dzoyerera mumusoro pfungwa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

Handidi, handidi, handidi!
handidi  kutsiurwa,
handidi  kusvoteswa,
handidi kunyombwa,
handidi kumbunyikidzwa,
handidi kutosvorwa,
handidi kutsvinyirwa
handidi,
kana ndada zvekunyora.

© Conarth Macheka – 28 Kubvumbi 2013


No comments:

Post a Comment