Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nenyenyedzi yehweva,
yanditeya nemiranzi yayo,
ndokundikweva ichikwira neni,
kudenga-denga, kupfuura makore, kumwedzi -
kusina ani nani anosvika.
Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nenjuzu,
yandimonera,
ndadiwa nenyenyedzi yehweva,
yanditeya nemiranzi yayo,
ndokundikweva ichikwira neni,
kudenga-denga, kupfuura makore, kumwedzi -
kusina ani nani anosvika.
Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nenjuzu,
yandimonera,
ikandifukidza newayo muviri munyoro-nyoro,
ndokundikwevera pasi-pasi pedziva -
pasina ani nani anosvika.
Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nechamupupuri,
chandizvuzvurudza chikaenda neni,
ndokundipotsera mujinga mechikomo chezviyerayera -Chimedzanemburungwe -
kusina ani nani anosvika.
Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nemazikope egute,
andikakatira pakatikati paChivero,
muzere mvura izere nezerere,
nemuchetura unouraya,
makwaya, twumbuyu nezvese zvinofema -
kusina kana ani nani anosvika.
ndokundikwevera pasi-pasi pedziva -
pasina ani nani anosvika.
Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nechamupupuri,
chandizvuzvurudza chikaenda neni,
ndokundipotsera mujinga mechikomo chezviyerayera -Chimedzanemburungwe -
kusina ani nani anosvika.
Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nemazikope egute,
andikakatira pakatikati paChivero,
muzere mvura izere nezerere,
nemuchetura unouraya,
makwaya, twumbuyu nezvese zvinofema -
kusina kana ani nani anosvika.
© Conarth Macheka - 3/9/2012
No comments:
Post a Comment