Wednesday, April 24, 2013

MHAMBA (YEMADEKO)



Musoro kurema sendakatsiga danda,
Hana chipitipiti kubika manhanga,
Meso piriviri seegudo radya chiwirowiro,
Aiwa kwese uku kungori kutamba
sezvo dzingori mviromviro.

Kungowuti musuva kobo mukanwa
Unongobuda sezvawanga uri
Muviri wese kuita seusi wemwene
kuita kunge wakaradzikwa pabanda
Zvese izvi zvichipa dudziro
yekwawanga uri nezuro
nekuda kwemhamba yemadeko.

Aiwa, kana musingagone kudira mvura
Kana musingagone kuti ndabvuma, ndagura,
bva chiregai henyu muchagona mukanya
Ramashapira rakwana,
Zvikagoipei kungosiirawo vamwe?                           

© Conarth Macheka - 25/8/2012

TASVIKA PAKUPWA KWERUDO




Unoita sewava nezana remakore waenda, warova,
Yeuchidzo ingonono dzaunorova,
Nehwema hwunobuda mune dzako hapwa,
Pamwe nechisipiti chemasiriri anoyerera, chisingapwi.
Chiripi chitubu cherudo nhaka chawakati hachipwi?
Bengenuka dhiya, tisasvika pakupwa kwerwedu rudo.

Kurara ndinorara meso dziri nyimo,
Chikonzero nei kuita seunondinyemudza, seunonyima?
Uchiita seusipo iwe uripo?
Nhaka zvandakafirwa nerudo iye murume aripo?
Ichokwadi here
kuti tasvika pakupwa kwerudo?

Zvandave shirikadzi,
asi vanoona vachiti tiri murume nemukadzi.
Ndine mhezi yavavira mukatikati memwoyo,
ndikwenyewo kani nhai mudikani,
Bva, chindibata ndigoziva kuti uripo,
Nyangwe akayambuka nyanza akagodzoka wani?    
Huya, chiuya kani,
tisasvika pakupwa kwerwedu rudo.              

© Conarth Macheka - 1/9/2012

WIRI (WILL)




Zvino chadenga chese zvachakombwa neguti
Ndinoshuva kusiya ndarayira nekuti,
Handidi kuti zvese zvangu zveziya
Zvese-zvese zvandichasiya,
Zvandakasevenzera semuranda,
Handidi kuti kana ndaenda,
Handidi kuti zvidyiwe nemagora,
Vajaira kudya zvavasakashandira.                                         

© Conarth Macheka - 27/8/2012

NHASI NDADIWA




Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nenyenyedzi yehweva,
yanditeya nemiranzi yayo,
ndokundikweva ichikwira neni,
kudenga-denga, kupfuura makore, kumwedzi -
kusina ani nani anosvika.

Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nenjuzu,
yandimonera,
ikandifukidza newayo muviri munyoro-nyoro,
ndokundikwevera pasi-pasi pedziva -
pasina ani nani anosvika.

Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nechamupupuri,
chandizvuzvurudza chikaenda neni,
ndokundipotsera mujinga mechikomo chezviyerayera -Chimedzanemburungwe -
kusina ani nani anosvika.

Nhasi ndadiwa -
ndadiwa nemazikope egute,
andikakatira pakatikati paChivero,
muzere mvura izere nezerere,
nemuchetura unouraya,
makwaya, twumbuyu nezvese zvinofema -
kusina kana ani nani anosvika.                                                           

© Conarth Macheka - 3/9/2012